Rangarira Rudo Rwepakutanga

preview_player
Показать описание
LYRICS: RANGARIRA RUDO RWAPAKUTANGA

Rangarira rudo rwepakutanga;
Rwawaiva narwo panguva yekuvamba,
Pawakati zvivi handichadi ndafunga Jesu!
Pawakarigamuchira Shoko rehupenyu,
Ukati Satani wanyangira yaona!
Ishe andidana, ini newe zvaperera pano,
Ukarambana naye satani, akatama pasina gupuro.

Rangarira rudo rwepakutanga;
Pawakati meso pati, chirikumeso chati kwapu!
Wan'urun'uzhwa nawo mufarosingwi wenyikadema;
Ishe akuravidza mufarohuchi nhapitapi yeShoko,
Shoko rinotwasanudza hupenyu dzamara hwati nhwa!
Wakafarawo sei meso ako paakaona nyasha!
Asi nhasi Shoko harichakoshi.

Rangarira rudo rwepakutanga;
Uchirikupisa serasha richangoburwa muchoto,
Mazuva iwayo waiva neshungu zhinji pazvinhu zvaMwari;
Waidana, "Jesu huyai kana nhasi chaiye!"
Wacherechedza nguva yawaitambisirwa nasatani;
Ukati toita zvedenga,
Asi pashoma nepashoma shungu dziya dzakapwa, wagarisa pabasa!

Rangarira rudo rwepakutanga;
Kana kuri kunamata, taidzikisa denga!
Tichinamata zvakaperera, Mwari vachibatikana;
Tichimuka nehusiku mabvi opinde basa,
Nhasi tonamata twuminamato twesadza tisu hedu svetu mumachira!
Shoko taiverenga setirikunyora zamanishoni reShoko;
Bhaibheri raiverengwa zuva nezuva,
Asi nhari robatwa Sunday yoga

Rangarira rudo rwepakutanga;
Pawairwadziwa nekunonoka kuchechi,
Uchimuka rungwanangwana kuti ubate nguva;
Waikoshesa sei Quiet Time mazuva iwayo!
Asi zvakati zvopetana zvimazuva,
Satani tekeshe muimba yemutendi
Hope dzotapira, patinopatika tongobhwaira hedu murima,
Hatichaendi pamabvi sakare.

Rangarira rudo rwepakutanga;
Tichiri neshungu dzekutsvaga zivo yeShoko
Nhasi zvisimbiso toita zvekuimba,
Zvakavanzika tozvidedemura tivete,
Tichiona vamwe vakazotendeukawo mushure medu,
Tajairira hedu, tozviona semasenior muShoko;
Shungu dziya pasi tsve, chava chando choga!
Tosvika hedu kuchechi nguva dzatinoda;
Toimba takaneta hedu, totokundwa nevemashavi,
kutambira Mwari nekuombera songleader wotokumbira.

Rangarira rudo rwepakutanga;
Tairwadziwa sei tikarovha kuchechi!
Vamwe vaiyambuka nzizi dzinotyisa vachienda kushumiro,
Asi nhasi, twumvura twangonaya chatova chikonzero chekurovha;
Iripo nguva yawainamata katatu pazuva, nhasi zvasarira kumapiritsi;
Kuneta nebasa chatova chikonzero chekuvata usina kunamata;
Asi zvakaoma kudaro, Ishe vakanamata muGetsemani.

Rangarira rudo rwepakutanga;
Rudo kuhama parwaipisa semoto,
Waisibatikana hama ikamira kuuya kuchechi;
Waisiishanyira kunovhunza chikonzero
Uchimugombedzera kuti adzokezve muimba yaMwari
Mudikani akarwara, Mwari vaibatikana nerudo rwevatendi;
Kereke yose ichishanyira murwere,
Asi nhasi vamwe havatotsikiko, kumarufu havaendi;
Zvatichatopotsa denga nayo "busy"

Rangarira rudo rwepakutanga,
Pawainotsiura hama yabuda mugwara
Usingazoridze hwamanda wabvako
Chaizvo zvatakadzidzisa nemporofita!
Makuhwa taiti takasiya kumasangano, taiti takasiira nyika!
Taona Shoko zvokwadi yezvokwadi,
Asi takamaita Bring Them In makuhwa!
Tava netwumapoka pachechi, hama dzapera makotsi!
Gore hwa usingatauri nehama yako!

Rangarira rudo rwepakutanga,
Hama padzaishanyirana mudzimba;
Kushanyira hama pasina rusarura,
Chenga ose manhanga, hapana risina mhodzi,
Mazuva iwayo ukasashanyira hama yako pane chaikupomera;
Ukaona hama ichitambura, waibatsira,
Asi nhasi hakuchina, mudura rerudo mapinda chifukuto.

Rangarira rudo rwepakutanga;
Tsvakai nzira dzekare, mufambe madziri!
Rudo rwepakutanga ndorwunosvitsa denga;
Kunamata, kuverenga, kupupura, kuda mumwe wako;
Michero yeMweya ichionekwa muvanhu,
Mwenje werudo wadzima ngaubatidzwe, Mwari vatiitire nyasha!
Рекомендации по теме
Комментарии
Автор

1 Timothy 4:6 If thou put the brethren in remembrance of these things, thou shalt be a good minister of Jesus Christ, nourished up in the words of faith and of good doctrine, whereunto thou hast attained.

God bless you @Sheplon

theophaniccivilizationchannel